John 3

Jesu anotaura naNikodhimo

1Kwaiva nemunhu wekuVaFarisi, Nikodhimo riri zita rake, mutungamiriri weVaJudha. 2Uyu wakauya kuna Jesu usiku, akati kwaari: Rabhi*, tinoziva kuti muri Mudzidzisi wakabva kuna Mwari; nokuti hakuna anogona kuita zviratidzo izvi zvamunoita imwi, kana Mwari asinaye. 3Jesu akapindura ndokuti kwaari: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kunze kwekuti munhu aberekwa kutsva, haagoni kuona ushe hwaMwari. 4Nikodhimo akati kwaari: Munhu anogona kuberekwa sei ava mukuru? Anogona kupinda rwechipiri mudumbu ramai vake agoberekwa here? 5Jesu akapindura akati: Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Kana munhu asina kuberekwa nemvura neMweya, haagoni kupinda muushe hwaMwari. 6Icho chakaberekwa nenyama inyama; nechakaberekwa neMweya, mweya. 7Usashamisika kuti ndati kwauri: Zvakafanira kuti muberekwe kutsva. 8Mhepo inovhuvhuta painoda, uye unonzwa inzwi rayo, asi hauzivi painobva nepainoenda; wakadaro wese wakaberekwa neMweya. 9Nikodhimo akapindura ndokuti kwaari: Zvinhu izvi zvinogona kuitika sei? 10Jesu akapindura, ndokuti kwaari: Iwe uri mudzidzisi waIsraeri, asi haunzwisisi zvinhu izvi here? 11Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri: Tinotaura zvatinoziva, tichipupura zvatakaona; asi hamugamuchiri uchapupu hwedu. 12Kana ndakakuudzai zvinhu zvenyika uye mukasatenda, muchatenda sei kana ndichikuudzai zvinhu zvekudenga? 13Uye hakuna munhu wakakwira kudenga, kunze kwewakaburuka kudenga, Mwanakomana wemunhu ari kudenga. 14Uye Mozisi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvowo Mwanakomana wemunhu anofanira kusimudzwa; 15kuti ani nani anotenda maari arege kuparara asi ave neupenyu husingaperi. 16Nokuti Mwari wakada nyika zvakadai, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa umwe ega, kuti ani nani anotenda kwaari arege kuparara, asi ave neupenyu husingaperi. 17Nokuti Mwari haana kutuma Mwanakomana wake munyika kuti ape nyika mhosva, asi kuti nyika iponeswe naye. 18Anotenda kwaari haapiwi mhosva; asi asingatendi watopiwa mhosva, nokuti haana kutenda kuzita reMwanakomana waMwari wakaberekwa umwe ega. 19Uku ndiko kupiwa mhosva, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima pane chiedza; nokuti mabasa avo akange akaipa. 20Nokuti umwe neumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kutsiurwa. 21Asi anoita chokwadi anouya pachiedza, kuti mabasa ake aratidzwe, kuti akaitwa muna Mwari.

Kupupura kwaJohwani Mubhabhatidzi

22Shure kwezvinhu izvi wakauya Jesu nevadzidzi vake munyika yeJudhiya; zvino akagarako navo, uye akabhabhatidza.

23NaJohwaniwo wakange achibhabhatidza muAinoni pedo neSarimi, nokuti paiva nemvura zhinji ipapo; uye vaiuyapo vachibhabhatidzwa. 24Nokuti Johwani wakange asati akandwa mutirongo.

25Zvino gakava rikamuka pakati pevamwe vevadzidzi vaJohwani neVaJudha pamusoro pekuchenura. 26Zvino vakauya kuna Johwani vakati kwaari: Rabhi, uya waiva nemwi mhiri kwaJoridhani, wamaipupura nezvake, tarirai, iye anobhabhatidza, uye vanouya kwaari vese. 27Johwani akapindura ndoti: Munhu haagoni kugamuchira chinhu, kunze kwekuti achipiwa kubva kudenga. 28Imwi momene munopupura nezvangu kuti ndakati: Handisi Kristu ini, asi kuti ndakatumwa mberi kwake. 29Uyo ane mwenga muwani; asi shamwari yemuwani, imire ichimunzwa, inofara nemufaro nekuda kwenzwi remuwani. Naizvozvo mufaro wangu uyu wazadziswa. 30Iye anofanira kukura, asi ini kuderedzwa.

31Anobva kumusoro ari pamusoro pezvese. Anobva panyika anobva panyika, uye anotaura achibva panyika; anobva kudenga ari pamusoro pezvese. 32Uye zvaakaona nezvaakanzwa, ndizvo zvaanopupura; asi hakuna munhu anogamuchira uchapupu hwake. 33Anogamuchira uchapupu hwake anoisa mucherechedzo kuti Mwari ndewechokwadi. 34Nokuti uyo Mwari waakatuma, anotaura mashoko aMwari; nokuti Mwari anopa Mweya kwete nechiyero. 35Baba vanoda Mwanakomana, uye vakapa zvinhu zvese muruoko rwake. 36Iye anotenda kuMwanakomana ane upenyu husingaperi; asi iye asingatendi kuMwanakomana, haazooni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.

Copyright information for Shona